Psalms 114

1Israeri akati abuda muIjipiti,
imba yaJakobho ichibva kurudzi runo mutauro wokumwe,
2Judha akava imba tsvene yaMwari,
Israeri ushe hwake.

3Gungwa rakazviona rikatiza,
Jorodhani rwakadzokera shure;
4makomo akakwakuka samakondobwe,
zvikomo samakwayana.

5Haiwa gungwa, wakatizeiko,
iwe Jorodhani zvawakadzokera shure,
6imi makomo zvamakakwakuka samakondobwe,
nemi zvikomo, samakwayana?

7Dedera, iwe nyika pamberi paShe,
pamberi paMwari waJakobho,
8akashandura dombo rikava dziva,
dombo rakaoma rikava matsime emvura.
Copyright information for SnaBDSC